1 Kings 3:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ipai muranda wenyu mŋoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzaʋanhu ʋenyu, ndiziʋe kutsaura pakati peɀakanaka neɀakaipa; nokuti ndianiko unogona kutamba mhaka dzaʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti atonge vanhu venyu, kuti ndikwanise kuziva zvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani angagone kutonga vanhu venyu vakawanda kudai?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai mukachindipawo ini muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti ndiwane matongero vanhu venyu ndichanyatsoona pakanaka nepakaipa nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?”
Shona 2009?
Naizvozvo ipai muranda wenyu moyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?"
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?”