1 Kings 4:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naBeni‐geberi paRamoti‐gireadi; iye wakaŋga anemisha yaJairi, mŋanakomana waManase, yaiʋa paGireadi; iye wakaŋga anenyika yeArgobi, iri paBashani, maguta makumi matanhatu aiʋa namaȿiŋgo namazariro endarira;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bheni-gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira);
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abherimehora sadunhu wokuRamatigireadhi nemisha yomuGireadhi yevemhuri yokwaJairi mwanakomana wokwaManase noruwa rwose rwokwaArigobhu kuBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu ane tsvingo ane zvihuri zvemisuo mikuru zvendarira
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naBhenigebheri paRamotigireadhi; iye wakanga ane misha yaJairi, mwanakomana waManase, yaiva paGireadhi; iye wakanga ane nyika yeArigobhi, iri paBhashani, maguta makumi matanhatu aiva namasvingo namazariro endarira;
Shona 2009?
naBhenigebheri paRamotiGiriyadhi; iye wakanga ane misha yaJairi, mwanakomana waManase, yaiva paGiriyadhi; iye wakanga ane nyika yeArigobhi, iri paBhashani, maguta makumi matanhatu aiva namasvingo namazariro endarira;
Shona SUB 2002 Bible
naBhenigebheri paRamot-igiriyadhi; iye wakanga ane misha yaJairi, mwanakomana waManase, yaiva paGiriadhi; iye wakanga ane nyika yeArigobhi, iri paBhashani, maguta makumi matanhatu aiva namasvingo namazariro endarira;