1 Kings 5:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Hirami, mambo weTire, wakatumira ʋaranda ʋake kunaSoromoni, nokuti wakaŋga anzwa kuti ʋakamuzodza aʋe mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake; nokuti Hirami wakaŋga aciɗa Davidi ŋguʋa yose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hiramu mambo weTire akati anzwa kuti Soromoni akanga azodzwa kuti ave mambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi, akatuma nhume dzake kuna Soromoni, nokuti Hiramu akanga agara ano ushamwari naDhavhidhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hiramu mambo wokuTire paakanzwa kuti vakagadza Soromoni umambo panzvimbo yababa vake, akatuma makurukota ake kwaari nokuti Hiramu uyu, chigariro chake chose akanga achinzwanana naDhavhidhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Hiramu, mambo weTire, wakatumira varanda vake kuna Soromoni, nokuti wakanga anzwa kuti vakamuzodza ave mambo panzvimbo yababa vake; nokuti Hiramu wakanga achida Dhavhidhi nguva yose.
Shona 2009?
Zvino Hiramu, mambo weTire, wakatumira varanda vake kuna Soromoni, nokuti wakanga anzwa kuti vakamuzodza ave mambo panzvimbo yababa vake; nokuti Hiramu wakanga achida Dhavhidhi nguva yose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Hiramu mambo weTaya, wakatumira varanda vake kuna Soromoni, nokuti wakanga anzwa kuti vakamuzodza ave mambo panzvimbo yababa vake; nokuti Hiramu wakanga achida Dhavhidhi nguva yose.