1 Kings 5:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋatariri ʋakuru ʋaSoromoni, ʋairaira ɓasa, ʋasiŋgaʋereŋgwi, iʋo ʋaiʋa neɀuru ɀitatu namazana matatu, ʋairaira ʋanhu ʋaiɓate‐ɓasa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
pamwe chete navatariri vebasa zviuru zvitatu namazana matatu vaitungamirira basa nokuudza vashandi zvokuita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni aivawo navakuru vakuru vokutungamirira basa vaitarisa vanhu vaishanda basa irori vaikwana zviuru zvitatu zvine mazana matatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vatariri vakuru vaSoromoni, vairaira basa, vasingaverengwe, ivo vaiva nezviuru zvitatu namazana matatu, vairaira vanhu vaibate basa.
Shona 2009?
vatariri vakuru vaSoromoni, vairaira basa, vasingaverengwi, ivo vaiva nezviuru zvitatu namazana matatu, vairaira vanhu vaibate basa.
Shona SUB 2002 Bible
vatariri vakuru vaSoromoni, vaitungamirira basa, vasingaverengwe, ivo vaiva nezviuru zvitatu namazana matatu, vaitungamirira vanhu kuti vabate basa.