1 Kings 5:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munoziʋa kuti Davidi ɓaɓa ʋaŋgu, ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋakira zita raJehova Mŋari waʋo imba, nokuɗa kwehondo dzairwiwa kumatiʋi ose, kuȿikira Jehova aʋaisa pasi petsoka dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Munoziva kuti nokuda kwehondo dzairwisana nababa vangu Dhavhidhi kubva kumativi ose, haana kuzokwanisa kuvakira Zita raJehovha Mwari wake temberi, kusvikira Jehovha aisa vavengi vake pasi petsoka dzake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Munozvizivawo kuti baba vangu Dhavhidhi havana kuzokwanisa kuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wavo pamusana pedzihondo dzaiva dzakavakomba kumativi ose. Zvaitozoitika Tenzi aisa vavengi vavo pasi petsoka dzavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu, vakanga vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba, nokuda kwehondo dzairwiwa kumativi ose, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzake.
Shona 2009?
"Munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu, vakanga vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba, nokuda kwehondo dzairwiwa kumativi ose, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzake.
Shona SUB 2002 Bible
“Munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu, vakanga vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba, nokuda kwehondo dzairwiwa kumativi ose, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzake.