1 Kings 5:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, cirairai kuti ʋanditemere miti yemisidari paRebanoni; ʋaranda ʋaŋgu ʋacaɓata pamŋe cete naʋaranda ʋenyu; ini ndicakupai muɓairo waʋaranda ʋenyu seɀamucareʋa; nokuti munoziʋa kuti pakati peɗu hapanomunhu unoziʋa kutema matanda uŋgafanana naʋaZidoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvovo chirayirai kuti nditemerwe matanda emisidhari yeRebhanoni. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete navanhu venyu uye ndichakuripirai mari yamunenge mati iripirwe vanhu venyu. Munoziva kuti hatina kana munhu mumwe anogona kutema matanda sezvinoitwa navaSidhoni.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino dai mati vashandi venyu vanditemerewo miti yemisidhari yokuRebhanoni. Vashandi vangu vachashanda pamwechete nevashandi venyu. Ini ndichakubhadharai mari yokutambirisa vashandi venyu sokutema kwamunenge maita. Sokuzivawo kwamunongoita isu hatina munhu anoziva kutema miti sezvinoita vaSidhoni.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino, chirairai kuti vanditemere miti yemisidhari paRebhanoni; varanda vangu vachabata pamwechete navaranda venyu; ini ndichakupai mubayiro wavaranda venyu sezvamuchareva; nokuti munoziva kuti pakati pedu hapana munhu unoziva kutema matanda ungafanana navaZidhoni.”
Shona 2009?
Naizvozvo zvino, chirairai kuti vanditemere miti yemisidhari paRebhanoni; varanda vangu vachabata pamwechete navaranda venyu; ini ndichakupai mubayiro wava randa venyu sezvamuchareva; nokuti munoziva kuti pakati pedu hapana munhu unoziva kutema matanda ungafanana navaZidhoni."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino, chirairai kuti vanditemere miti yemisidhari paRebhanoni; varanda vangu vachabata pamwechete navaranda venyu; ini ndichakupai mubairo wavaranda venyu sezvamuchareva; nokuti munoziva kuti pakati pedu hapana munhu unoziva kutema matanda ungafanana navaZidhoni.”