1 Kings 5:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaranda ʋaŋgu ʋacaaɓurusa paRebanoni ʋaciaisa kuguŋgwa; ndicaaɓatanidza aende neguŋgwa seɀamucandiraira, ndicaraira kuti asunuŋgurwe ipapo, muagamucire; imi mugoita seɀandinoɗa, mucipa ʋanhu ʋeimba yaŋgu ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vangu vachatakura kubva kuRebhanoni kusvika kugungwa, uye, ndichaayeredza negungwa kunzvimbo yamunenge masarudza. Ikoko ndichapatsanura kuti mugogona kuatora moenda nawo. Imi mugondiitirawo chishuvo changu mugopa muzinda wangu zvokudya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vashandi vangu vachaabvisa kuRebhanoni vachindoaisa kugungwa. Ndichaasunga masvinga masvinga agoita zvokuyeredzerwako nomugungwa asvikire kwamunenge muchida. Ikoko ndokwandichazoasunungura moatorerako zvenyu. Chandingadewo kwamuri kuti mundipirewo chokudya vomumuzinda mangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varanda vangu vachaaburuswa paRebhanoni vachiaisa kugungwa; ndichaabatanidza aende negungwa sezvamuchandiraira, ndicharaira kuti asunungurwe ipapo, muagamuchire; imi mugoita sezvandinoda, muchipa vanhu veimba yangu zvokudya.”
Shona 2009?
Varanda vangu vachaaburusa paRebhanoni vachiaisa kugungwa; ndichaabatanidza aende negungwa sezvamuchandiraira, ndicharaira kuti asunungurwe ipapo, muagamuchire; imwi mugoita sezvandinoda, muchipa vanhu veimba yangu zvokudya."
Shona SUB 2002 Bible
Varanda vangu vachaaburuswa paRebhanoni vachiaisa kugungwa; ndichaabatanidza aende negungwa sezvamuchandiraira, ndicharaira kuti asunungurwe ipapo, muagamuchire; imi mugoita sezvandinoda, muchipa vanhu veimba yangu zvokudya.”