1 Kings 6:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imŋe neimŋe yakaŋga yakaita makubiti mashanu pakukwirira kwayo, dzikaɓatanidzwa paimba namatanda emisidari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akavaka dzimba pamadziro etemberi yose. Imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti mashanu, uye dzakanga dzakabatanidzwa netemberi namatanda emisidhari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavaka nhurikidzwa yaiva yakatendererana nemba yacho yose, chengo chenhurikidzwa yoga yoga kukwira mudenga chakanga chichiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, chaiva chakabatanidzwa kumba iyoyi namapango omusidhari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imwe neimwe yakanga yakaita makubhiti mashanu pakukwira kwayo, dzikabatanidzwa paimba namatanda emisidhari.
Shona 2009?
Akavaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imwe neimwe yakanga yakaita makubhiti mashanu pakukwirira kwayo, dzikabatanidzwa paimba namatanda emisidhari.
Shona SUB 2002 Bible
Akavaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imwe neimwe yakanga yakaita makubhiti mashanu pakukwira kwayo, dzikabatanidzwa paimba namatanda emisidhari.