1 Kings 6:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akagadza makerubi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubi akaŋga akatambanudzwa, ɓapiro rimŋe rekerubi rimŋe rakaȿika kumadziro mamŋe, ʋuye ɓapiro rimŋe rekerubi rimŋe ɀe rakaȿika kunamamŋe madziro; mapapiro awo akagunɀana pakati peimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamisa makerubhu aya mukatikati chaimo memba iyoyo. Mapapiro emakerubhu akanga akatambanudzwa zvokuti bapiro rerimwe kerubhu raiva rakaguma madziro okuku, bapiro rerimwewo kerubhu rakagumawo madziro okuku; mamwewo mapapiro aya akagumana nechepakati pemba iyi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akagadza makerubhi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzwa, bapiro rimwe rekerubhi rimwe rakasvika kumadziro mamwe, uye bapiro rimwe rekerubhi rimwezve rakasvika kunamamwe madziro; mapapiro awo akagunzvana pakati peimba.
Shona 2009?
Akagadza makerubhi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzwa, bapiro rimwe rekerubhi rimwe rakasvika kumadziro mamwe, uye bapiro rimwe rekerubhi rimwezve rakasvika kunamamwe madziro; mapapiro awo akagunzvana pakati peimba.
Shona SUB 2002 Bible
Akagadza makerubhi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzwa, bapiro rimwe rekerubhi rimwe rakasvika kumadziro mamwe, uye bapiro rimwe rekerubhi rimwezve rakasvika kuna mamwe madziro; mapapiro awo akagunzvana pakati peimba.