1 Kings 7:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye wakaŋga ari mŋanakomana wecirikadzi yorudzi rwaNaftari; ɓaɓa ʋake ʋaiʋa munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakaŋga akaŋgwara kwaɀo anenjere noʋumhizha kuɓata maɓasa ose endarira. Akaʋuya kunamambo Soromoni, akaɓata maɓasa ake ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hiramu aiva mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafutari, baba vake vari veTire, mupfuri wendarira. Hiramu akanga azere nounyanzvi, uye aino ruzivo rwezvamabasa ose endarira. Akauya kuna Mambo Soromoni akaita basa rose raakapiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akanga ari mwanakomana wechirikadzi yedzinza rokwaNafutari. Baba vake vaiva munhu wokuTire webasa rendarira. Vaiva munhu azere noungwaru nokunzwisisa noumhizha hwebasa rose zvaro rendarira. Hiramu akauya kuna Soromoni akasvikomuitira basa rake rose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye wakanga ari mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafitari; baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakanga akangwara kwazvo ane njere noumhizha kubata mabasa ose endarira. Akauya kuna mambo Soromoni, akabata mabasa ake ose.
Shona 2009?
lye wakanga ari mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafitari; baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakanga akangwara kwazvo ane njere noumhizha kubata mabasa ose endarira. Akauya kuna mambo Soromoni, akabata mabasa ake ose.
Shona SUB 2002 Bible
Iye wakanga ari mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafitari; baba vake vaiva munhu weTaya, mupfuri wendarira; iye wakanga akangwara kwazvo ane njere noumhizha kubata mabasa ose endarira. Akauya kuna mambo Soromoni, akabata mabasa ake ose.