1 Kings 7:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋumba ʋo misoro miʋiri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamsoro pembiru; musoro mumŋe wakaȿika makubiti mashanu pakureɓa, nomumŋe musoro makubiti mashanu ʋo pakureɓa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaitawo misoro yembiru yendarira yakanyungurutswa miviri, yokugadzika pamusoro pembiru, musoro mumwe nomumwe wakanga wakareba makubhiti mashanuj pakukwirira kwawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagadzirawo zvepamusoro payo zviviri zvendarira achiita zvokuinyungurutsa, zvokushongedza pamusoro pemisimboti iyoyo. Kukwira mudenga, urefu hwezvepamusoro zvacho chimwe nechimwe hwaiva mamita maviri ane masendimita makumi maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaumbawo misoro miviri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamusoro pembiru; musoro mumwe wakasvika makubhiti mashanu pakureba, nomumwe musoro makubhiti mashanuwo pakureba.
Shona 2009?
Akaumbawo misoro miviri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamusoro pembiru; musoro mumwe wakasvika makubhiti mashanu pakureba, nomumwe musoro makubhiti mashanuwo pakureba.
Shona SUB 2002 Bible
Akaumbawo misoro miviri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamusoro pembiru; musoro mumwe wakasvika makubhiti mashanu pakureba, nomumwe musoro makubhiti mashanuwo pakureba.