1 Kings 7:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakaʋaka imba nemiti yamatondo eRebanoni; yakaŋgaya kaȿika makubiti anezana pakureɓa kwayo, namakubiti makumi mashanu paʋupamhi bgayo, namakubiti makumi matatu pakukwirira kwayo; akaiʋaka pamsoro pemisara minna yembiru dzemisidari, namatanda emisidari pamsoro pembiru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavaka Muzinda weSango reRebhanoni wakanga wakareba makubhiti zanaa, upamhi hwawo huri makubhiti makumi mashanub, namakubhiti makumi matatuc pakukwirira kwawo mudenga, akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari namatanda emisidhari akavezwa pamusoro pembiru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavaka imba yainzi Imbayesangorerebhanoni. Urefu hwayo hwaiita makumi mana emamita anamamita mana, upamhi hwayo mamita makumi maviri ane maviri kureba kwayo kuenda mudenga ina mamita gumi namatatu ane masendimita makumi mashanu. Yaiva yakavakwa nemitsara mina yemhanda dzomuti womusidhari, mapango omusidhari akatandarikwa pamhanda idzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti wakavaka imba nemiti yamatondo eRebhanoni; yakanga yakasvika makubhiti ane zana pakureba kwayo, namakubhiti makumi mashanu paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo; akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari, namatanda emisidhari pamusoro pembiru.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible