1 Kings 7:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kumsoro kwakaŋga kunemisoro ʋo pamsoro pembiru mbiri, pedyo neɗumbu rakaŋga riri parutiʋi rwomumbure wakarukwa; namatamba akaŋga anamazana maʋiri, akaita misara yakapoteredza pamsoro pomumŋe musoro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pemisoro yembiru mbiri idzi, nechapamusoro pedumbu rakanga riri parutivi pomumbure, paiva namatamba mazana maviri mumitsara yakapoteredza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pane zvinhu zviya zvepamusoro pemisimboti iyi uyewo napamwe pakanga pakafutumara kuitenderera; munyasi memambure aye aye paiva namapomegiraneti mazana maviri akanga ari mumitsara miviri kuitenderera ndozvakanga zvakaita zvinhu zviye zvepamusoro pacho zvose zviri zviviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kumusoro kwakanga kune misorowo pamusoro pembiru mbiri, pedyo nedumbu rakanga riri parutivi rwomumbure wakarukwa; namatamba akanga ana mazana maviri, akaita mitsara yakapoteredza pamusoro pomumwe musoro.
Shona 2009?
Kumusoro kwakanga kune misorowo pamusoro pembiru mbiri, pedo nedumbu rakanga riri parutivi rwomumbure wakarukwa; namatamba akanga ana mazana maviri, akaita mitsara yakapoteredza pamusoro pomumwe musoro.
Shona SUB 2002 Bible
Kumusoro kwakanga kune misorowo pamusoro pembiru mbiri, pedyo nedumbu rakanga riri parutivi rwomumbure wakarukwa; namatamba akanga ana mazana maviri, akaita mitsara yakapoteredza pamusoro pomumwe musoro.