1 Kings 7:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akaita dziʋa rendarira yakanyauswa, rakaȿika makubiti anegumi paʋupamhi pamuromo, rakatenderera; kukwirira kwaro kwakaȿika makubiti mashanu; ʋuye pakuyera rwonzi rwakaȿika makubiti makumi matatu rwakaripoteredza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaita Gungwa reNdarira yakanyauswa, redenderedzwa rakanga rine upamhi hwamakubhiti gumil pamuromo, uye rakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwaro. Zvaitora tambo yakareba makubhiti makumi matatum kuti iripoteredze pakuyera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagadzira zibhavhu ziguruguru kwazvo noutare hwaakaita zvokunyungurutsa. Rakanga rakatenderera richiita mamita mana ana masendimita mana kubva pamuromo kuyambuka kune mumwe muromo. Udzamu hwaro hwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana ana masendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi nematatu ana masendimita makumi maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akaita dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; kukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti makumi matatu rwakaripoteredza.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible