1 Kings 7:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rakaŋga rimire pamsoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakaŋga dzakatarira kurutiʋi rwokumsoro, nhatu kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, nhatu kurutiʋi rwezasi, ʋuye nhatu kurutiʋi rwamabvazuʋa; dziʋa rakaŋga rakagadzwa pamsoro padzo, idzo dzakafuratirana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gungwa rakanga rimire pahando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu kumadokero, nhatu zasi nenhatu kumabvazuva. Gungwa rakanga rigere pamusoro padzo, uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rakanga rakagara pahandira gumi nembiri, nhatu dzacho dzakaringira kuchamhembe, dzimwe nhatu dzakaringa kumadokero dzimwe dzacho nhatu dzakaringira kumaodzanyemba, dzimwewo nhatu dzakaringa kumabvazuva, shure kwadzo dzose kwakanga kuri nechomukati, zibhavhu iri riri pamusana padzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwamavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, uye nhatu kurutivi rwamabvazuva; dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.
Shona 2009?
Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwa mavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, uye nhatu kurutivi rwamabvazuva, dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.
Shona SUB 2002 Bible
Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwamavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, uye nhatu kurutivi rwamabvazuva; dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.