1 Kings 7:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋukobvu bgaro bgaiʋa soʋupamhi bgecanza, ʋuye muromo waro wakaŋga wakafanana nomuromo wembiya, seruʋa rehapa; mukati maro maipinda mabati aneɀuru ɀiʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ukobvu hwaro hwaikwana upamhi hwechanza chomunhun, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wekapu, seruva ramahapa. Mukati maro maikwana mabhati zviuru zvivirio.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sechanza. Mupendero waro wakanga wakaita somupendero wekapu, seruva ramahapa. Zibhavu iri raipinda mazana maviri amadhiramu ane madhiramu makumi matanhatu namaviri emvura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ukobvu hwaro hwaiva soupamhi hwechanza, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa; mukati maro maipinda mabhati ane zviuru zviviri.
Shona 2009?
Ukobvu hwaro hwaiva soupamhi bwechanza, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa, mukati maro maipinda mabhati ane zviuru zviviri.
Shona SUB 2002 Bible
Ukobvu hwaro hwaiva soupamhi hwechanza, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa; mukati maro maipinda mabhati ane zviuru zviviri.