1 Kings 7:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaisa ɀiŋgoro, ɀishanu kurutiʋi rworudyi rweimba, ʋuye ɀishanu kurutiʋi rworuɓoshwe rweimba; akagadzika dziʋa kurutiʋi rworudyi rweimba kumabvazuʋa necezasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaisa tafura shanu zasi kwetemberi, shanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akandomisa ngoro shanu kumaodzanyemba kwemba yacho iyi, akandomisawo dzimwe shanu kuchamhembe kwemba iyoyo, akaisawo zibhavhu ziguruguru riye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemba iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaisa zvingoro, zvishanu kurutivi rworudyi rweimba, uye zvishanu kurutivi rworuboshwe rweimba; akagadzika dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva nechezasi.
Shona 2009?
Akaisa zvingoro, zvishanu kurutivi rworudyi rweimba, uye zvishanu kurutivi rworuboshwe rweimba; akagadzika dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva nechezasi.
Shona SUB 2002 Bible
Akaisa zvingoro, zvishanu kurutivi rworudyi rwemba, uye zvishanu kurutivi rworuboshwe rweimba; akagadzika dziva kurutivi rworudyi rwemba kumabvazuva nechezasi.