1 Kings 7:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHirami mumba maJehova, dzakaŋga dzakaitwa nendarira yakabginyiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
poto, foshoro namadhishi. Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mapoto nefoshoro namadhishi, midziyo yose iyi yomumba maTenzi yakagadzirirwa mambo Soromoni naHiramu yakanga iri yendarira yakanyatsokwenenzverwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHiramu mumba maJehovha, dzakanga dzakaitwa nendarira yakahwinyiswa.
Shona 2009?
nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHiramu mumba maJehovha, dzakanga dzakaitwa nendarira yakabwinyiswa.
Shona SUB 2002 Bible
nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHiramu mumba maJehovha, dzakanga dzakaitwa nendarira yakahwinyiswa.