1 Kings 7:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neimba yake yokugara, kunorumŋe ruʋazhe mukati meɓiraʋira, yakaŋga yakaitwa saiɀoɀo. Akaitira ʋo mukunda waFarao imba, (waakaŋga awana iye Soromoni,) yakaŋga yakafanana neɓiraʋira iro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muzinda wake waaizogara necheseri, wakanga wakavakwa zvimwe chetezvo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFaro, uyo waakanga awana, muzinda wakafanana nouyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzimbahwe, imba yake chaiyo yokugara, yaiva munzvimbo yeseri kwezimba reDare yakanga iine muvakirwo mumwechetewo. Soromoni akavakirawo mukunda waFarao waakaroora, imba yakafanana nezimba irori.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Neimba yake yokugara, kuno rumwe ruvazhe mukati mebiravira, yakanga yakaitwa saizvozvo. Akaitirawo mukunda waFarao imba, (waakanga awana iye Soromoni,) yakanga yakafanana nebiravira iro.
Shona 2009?
Neimba yake yokugara, kuno rumwe ruvazhe mukati mebiravira, yakanga yakaitwa saizvozvo. Akaitirawo mukunda waFarao imba, (waakanga awana iye Soromoni,) yakanga yakafanana nebiravira iro.
Shona SUB 2002 Bible
Neimba yake yokugara, kuno rumwe ruvazhe mukati mebiravira, yakanga yakaitwa saizvozvo. Akaitirawo mukunda waFarao imba, (waakanga awana iye Soromoni,) yakanga yakafanana nebiravira iro.