1 Kings 8:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Soromoni wakaʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋose ʋamarudzi, iwo macinda edzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaIsraeri, kunamambo Soromoni paJerusarema, akakwidza areka yesuŋgano yaJehova, ibve paguta raDavidi, iro Zioni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Soromoni akaunganidza pamberi pake vakuru veIsraeri navatungamiri vamarudzi muJerusarema namadzishe emhuri dzavaIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni, Guta raDhavhidhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzimambo evanhu vechiIsiraeri, vakaungana kuna mambo Soromoni muJerusaremu kuti vaende kundotakura bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Zioni.
Shona 2009?
Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru VaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana VaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Zioni.