1 Kings 8:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panɀimbo yaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, ndikagara pacigaro coʋushe caIsraeri, seɀakapikira Jehova, ndikaʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Jehovha achengeta chivimbiso chaakaita: ini ndatevera panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, uye zvino ndigere pachigaro chokutonga chaIsraeri, sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndavakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Tenzi akazadzisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu vaDhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwakaita Tenzi, ndikazovakirawo zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri imba iyi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible