1 Kings 8:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, Jehova Mŋari waIsraeri, itirai muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu seɀamakamupikira, muciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri pamberi paŋgu, kana ʋana ʋako ʋakaŋgwarira kufamba kwaʋo, ʋakafamba pamberi paŋgu, seɀawakafamba iwe pamberi paŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, zvivimbiso zvamakamuitira pamakati, ‘Pamberi pangu hapangazoshayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe cheIsraeri, kana vana vako vakachenjera pane zvose zvavanoita, vakafamba pamberi pangu sezvawakaita iwe.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Tenzi, Mwari wavaIsiraeri chengetedzai waro zvamakatsidzira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi zvaakavataurira achiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri. Ndokungewo vana vako vachenjerera mafambiro avo vafambawo mberi kwangu sokufamba mberi kwangu kwawakaitawo iwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, ‘Haungashaiwe munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.’
Shona 2009?
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, `Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, ‘Haungashaiwe munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.’