1 Kings 8:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana ʋacizonyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo ino; ɗonzwai henyu iko kuɗeŋga, kwamunogara; ɀino kana mukanzwa, muʋakaŋganwire henyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu Israeri pavanozonamata vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai muri kudenga kwamunogara, uye kana manzwa mugoregerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inzwaiwo chichemo ichi changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino, vanzwei muri kudenga kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregerere.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.
Shona 2009?
Inzwai kukumbira komuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakangamwire henyu.
Shona SUB 2002 Bible
Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu VaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.