1 Kings 8:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
inzwai iko kuɗeŋga, mukaŋganwire ɀiʋi ɀaʋaranda ʋenyu, neɀaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, nokuti munoʋadzidzisa nzira yakanaka yaʋanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa ʋanhu ʋenyu kuti iʋe nhaka yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo inzwai muri kudenga uye mugoregerera chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira yakanaka yavanofanira kurarama nayo, uye nayisai mvura panyika yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vanzwei kudenga ikoko, muregerere muranda wenyu, navanhu venyu vaIsiraeri chitadzo chavo, muvadzidzise makwara akanaka okuti vafambe nawo, mupe mvura nyika yenyu yamakapa vanhu venyu senhaka yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
Shona 2009?
inzwai iko kudenga, mukangamwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
Shona SUB 2002 Bible
inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu VaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.