1 Kings 8:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana nzara ikaʋa’po panyika, kana ɗenda rikaʋa’po, kana nyunji nokuvuva ɀikaʋa’po, nemhashu nehonye; kana ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋakomba panyika inamaguta aʋo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikaʋa’po;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana muhuvhe, mhashu, kana ndongwe kana muvengi wavo akavakomba mune ripi zvaro ramaguta avo, zvisinei kuti inyatwa ipi kana kuti idenda ripi rauya,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana munyika ino mukaita nzara kana kuti mukaita denda kana zvikukuve kana chiundudzi, kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana kuti vavengi vavo vakavatambudza munyika muno muguta ravo ripi zvaro kunyange nyatwa ipi zvayo kana kukava nechirwere chipi nechipi zvacho,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo;
Shona 2009?
"Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo;
Shona SUB 2002 Bible
“Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana chirwere chipi nechipi chikavapo;