1 Kings 8:43 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, muitire mutorwa ɀose seɀaanokumbira, kuti ʋanhu ʋose ʋenyika ʋaziʋe zita renyu, ʋakutyei, seɀinoita ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋaziʋe kuti imba ino yandakaʋaka yakatumidzwa zita renyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara, uye mugoita chinhu chipi nechipi chinokumbirwa kwamuri nomutorwa uyu, kuti marudzi ose enyika azive zita renyu uye agokutyai, sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vazive kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
imi munzweiwo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muitire mutorwa iyeyo zvose zvaanenge akukumbirai kuitira kuti marudzi ose avanhu vapanyika pano vagoziva zita renyu vakutyei sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri uyewo vagoziva kuti imba ino yandavaka yakaiswa zita renyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
Shona 2009?
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
Shona SUB 2002 Bible
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu VaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.