1 Kings 8:46 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋakakutadzirai, (nokuti hakunomunhu usiŋgatadzi), mukaʋatsamŋira, mukaʋaisa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakatapxa kunyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo, kure kana pedyo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana vakakutadzirai, nokuti hakuna munhu asingatadzi, imi mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko omuvengi, uye akavaita nhapwa munyika yake, kure kana pedyo;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana vakaita chitadzo kwamuri, sezvo kusina munhu asingapari chitadzo, imi mukavashatirirwa mukavaisa mumaoko avavengi vavo kuti vatapwe vaendwe navo kunyika yavavengi vavo iri kure kana pedyo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko avavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedyo;
Shona 2009?
"Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko avavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedo;
Shona SUB 2002 Bible
“Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko avavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedyo;