1 Kings 8:48 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana ʋakadzokera ɀe kwamuri nomŋoyo waʋo wose, nomŋeya waʋo wose, panyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋatapa; kana ʋakanyeŋgetera kwamuri ʋakatarira kunyika yaʋo, yamakapa madziɓaɓa aʋo, kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakaʋakira zita renyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye kana vakadzokera kwamuri nomwoyo nomweya wavo wose munyika yavavengi vavo avo vakavatapa vakanyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kana vakapindukira kwamuri nomwoyo wavo wose vachinge vanyatsozvipira kupinduka ivo pachavo vari munyika yavavengi vavo vanyakuvatapa, vakanamata kwamuri vakaringa kuno kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo kuguta ramakasarudza kumba ino yandakavakira zita renyu;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu.
Shona 2009?
kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaurirwa nokuimba yandakavakira zita renyu.
Shona SUB 2002 Bible
kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu.