1 Kings 8:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo Soromoni, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri yakaŋga yaʋuŋganira kwaari, ʋakafamba naye pamberi peareka, ʋakaɓayira makwai nenzombe, ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kurabga kana kuʋereŋgwa nokuwanda kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye Mambo Soromoni neungano yose yeIsraeri yakanga yaungana paari, vakanga vanaye pamberi peareka, vachibayira makwai nehando zvakawanda zvokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Soromoni negungano rose ravaIsiraeri vakanga vaungana kwaari vakanga vainaye paiva nebhokisi rechitenderano ipapo, vakapira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo.
Shona 2009?
Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo Soromoni, neungano yose yaVaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo.