1 Kings 8:53 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti imi Jehova, makaʋatsaura kundudzi dzose dzenyika, ʋaʋe nhaka yenyu, seɀamakataura nomuromo waMosesi muranda wenyu, ŋguʋa yamakaɓuɗisa madziɓaɓa eɗu paEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti makavasarudza pamarudzi ose enyika kuti vave nhaka yenyu, sezvamakataura nokumuranda wenyu Mozisi, imi Jehovha Mwari, pamakabudisa madzibaba edu kubva muIjipiti.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti imi Tenzi Mwari makavatsaura mukati memarudzi ose apanyika pano kuti vave nhaka yenyu sokutaura kwamakaita nomuromo waMosesi muranda wenyu pamakaburitsa madzitateguru edu kuIjipiti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti imi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMosesi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paIjipiti.”
Shona 2009?
"Nokuti imwi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMozisi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paIjipiti."
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti imi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMosesi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paIjipiti.”