1 Kings 8:59 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehova, ŋgaagare pedyo naJehova Mŋari weɗu masikati noʋusiku, aruramisire muranda wake, naʋanhu ʋake ʋaIsraeri, panoɗikanwa napo zuʋa rimŋe nerimŋe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mashoko angu aya, andanyengetera pamberi paJehovha, ngaave pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, kuti asimudzire zvinorwirwa nomuranda wake nezvinorwirwa navanhu vake Israeri nezvinenge zvichidiwa zuva nezuva,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai mazwi angu aya andataura pakuisa chichemo changu kuna Tenzi angoramba waro ari paari iye Tenzi, Mwari wedu siku nesikati uyewo muitire muranda wenyu navanhu vake vaIsiraeri zvavanenge vachichemedzeka nazvo zvavanenge vamuturira pazuvaro
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake vaIsiraeri, panodikanwa napo zuva rimwe nerimwe;
Shona 2009?
Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake vaIsiraeri, panodikamwa napo zuva rimwe nerimwe;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake VaIsiraeri, panodikanwa napo zuva rimwe nerimwe;