1 Kings 8:63 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Soromoni akaɓayira ɀipiriso ɀokuyananisa, ɀaakaɓayira Jehova, nzombe dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri, namakwai aneɀuru ɀinezana namakumi maʋiri. Naiɀoɀo mambo naʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakatsaurira Jehova imba iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Soromoni akabayira chibayiro chezvipiriso zvokuyanana kuna Jehovha; zviuru makumi maviri nezviviri zvemombe nezviuru zana namakumi maviri zvamakwai nembudzi. Saizvozvo mambo navaIsraeri vose vakakumikidza temberi yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni akapira kuna Tenzi mipiro yokuwadzana yemombe zviuru makumi maviri zvine zviuru zviviri uyewo zviuru zvehwai zvaiita zana rina makumi maviri. Saizvozvo mambo navanhu vose veIsiraeri vakateketera imba iyoyi kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Soromoni akabayira zvipiriso zvokuyananisa, zvaakabayira Jehovha, nzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Naizvozvo mambo navana vaIsiraeri vose vakatsaurira Jehovha imba iyo.
Shona 2009?
Soromoni akabayira zvipiriso zvokuyananisa, zvaakabayira Jehovha, nzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Naizvozvo mambo navana vaIsiraeri vose vakatsaurira Jehovha imba iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Soromoni akabayira zvipiriso zvokuyananisa, zvaakabayira Jehovha, nzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Naizvozvo mambo navana VaIsiraeri vose vakatsaurira Jehovha imba iyo.