1 Kings 8:64 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomusi uyo mambo akatsaura ʋo nɀimbo yapakati yoruʋazhe rwakaŋga ruri pamberi peimba yaJehova; nokuti ndipo paakaɓayira cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa; nokuti artari yendarira, yaiʋa pamberi paJehova, yakaŋga iri ɗuku kwaɀo, isiŋgagoni kuriŋgana cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musi iwoyo mambo akakumikidza chikamu chapakati chechivanze chaiva pamberi petemberi yaJehovha, uye ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvembeu, namafuta ezvipiriso zvokuyanana nokuti aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha yakanga yakanyanya kuita duku kuti ikwane zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvembeu, namafuta ezvipiriso zvokuyanana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musi wakarewo mambo akaturira kuna Mwari chimwe chidzengerere chapakati poruvanze pokunge toda kupinda mumba yaTenzi macho. Ndipo paakapirira mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana. Chakanetsa ndechokuti atari iya yendarira yaiva ipapo paiva naTenzi yakaita diki kuti ipirirwepo mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomusi uyo mambo akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha; nokuti ndipo paakabayira chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, yakanga iri duku kwazvo, isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa.
Shona 2009?
Nomusi uyo mambo akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha, nokuti ndipo paakabayira chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, yakanga iri duku kwazvo, isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa.
Shona SUB 2002 Bible
Nomusi uyo mambo akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha; nokuti ndipo paakabayira chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti atari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, yakanga iri duku kwazvo, isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa.