1 Kings 8:65 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Soromoni akatamba mutambo ŋguʋa iyo yose, naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye, ʋakaita ʋuŋgano huru, kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira parukoʋa rweEgipita, pamberi paJehova Mŋari weɗu, mazuʋa manomŋe namazuʋa manomŋe ɀe, ndiwo mazuʋa anegumi namanna.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Soromoni akaita mutambo uyu panguva iyoyo, neIsraeri yose pamwe chete naye, ungano huru kwazvo, vanhu vachibva kuRebho Hamati vachisvika kuWadhi yeIjipiti. Vakaupemberera pamberi paJehovha Mwari wedu kwamazuva manomwe namamwe manomwe pamusoro, mazuva gumi namana pamwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo, panguva iyoyo, Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo gungano guru kwazvo vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe ndokuitazve mamwe mazuva manomwe, ose pamwechete akaita mazuva gumi namana vari pana Tenzi, Mwari wedu. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kukakova keIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo nguva iyo yose, navaIsiraeri vose pamwechete naye, vakaita ungano huru, kubva pavanopinda paHamati kusvikira parukova rweIjipiti, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe namazuva manomwezve ndiwo mazuva ane gumi namana.
Shona 2009?
Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo nguva iyo yose, navaIsiraeri vose pamwechete naye, vakaita ungano huru, kubva pavanopinda paHamati kusvikira parukova rweIjipiti, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe namazuva manomwezve ndiwo mazuva ane gumi namana.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo nguva iyo yose, naVaIsiraeri vose pamwechete naye, vakaita ungano huru, kubva pavanopinda paHamati kusvikira parukova rweIjipiti, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe namazuva manomwezve ndiwo mazuva ane gumi namana.