1 Kings 8:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukati meareka makaŋga musisinecinhu, asi mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga aiswa’mo naMosesi paHorebi, ŋguʋa Jehova yaakaita suŋgano nayo naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri amabwe ayo akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha paakaita sungano navaIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mubhokisi rechitenderano makanga musisina chimwe chinhu kunze kwamafendefa amabwe maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakapinda munyika yeIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mahwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMosesi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika yeIjipiti.
Shona 2009?
Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mabwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMozisi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika
Shona SUB 2002 Bible
Mukati meareka makanga musisina chinhu, asi mahwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMosesi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana VaIsiraeri pakubuda kwavo panyika yeIjipiti.