1 Kings 9:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
(ɀino Hirami mambo weTire wakaŋga atȿakira Soromoni misidari, nemisipresi, nendarama, neɀose ɀaakaŋga aciɗa), mambo Soromoni akapa Hirami maguta anamakumi maʋiri panyika yeGarire.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Soromoni akapa Hiramu mambo weTire maguta makumi maviri muGarirea, nokuti Hiramu akanga amupa misidhari, misipuresi negoridhe, zvose zvaaida.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hiramu mambo weTire awanisa Soromoni zvose zvaaida mapango omusidhari neemusaipurasi nendarama; mambo Soromoni akapa Hiramu maguta makumi maviri mudunhu reGarireya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
(zvino Hiramu mambo weTire wakanga atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire.
Shona 2009?
(zvino Hiramu mambo weTire wakanga atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire.
Shona SUB 2002 Bible
(zvino Hiramu mambo weTaya wakanga atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire.