1 Kings 9:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye imba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka nokuridza muridzo, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba ino?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvazvo temberi iyi ichishamisa kwazvo iye zvino, avo vachazopfuura napairi vachazoshamiswa vagoshora vachiti, ‘Jehovha aitirei chinhu chakadai kunyika iyi nokutemberi iyi?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyangewo imba iyoyi yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa. Vachatozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chakaadariro nyika ino nemba iyi chii?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, ‘Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?’
Shona 2009?
uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?'
Shona SUB 2002 Bible
uye imba iyi kunyangwe yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, ‘Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?’