1 Peter 1:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋacinɀera kuti ŋguʋa ndeipi, kana yakaɗini, yakataurwa noMŋeya waKristu, wakaŋga uri mukati maʋo, ŋguʋa yaakapupura kare ɀokutambudzika kwaKristu, nokubginya kunozoteʋera iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatsvagisisa nozvomunhu iyeyo uye nezvenguva yakaratidzwa naMweya waKristu mavari pavaifanotaura nezvedambudziko raKristu nembiri yaizotevera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vachinzvera kuti nguva ndeipi, kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo.
Shona 2009?
vachinzvera kuti nguva ndeipi kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
vachinzvera kuti nguva ndeipi, kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo.