1 Peter 1:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana mucimuidza Ƃaɓa, iye unotoŋga acitarira ɀakaitwa nomumŋe nomumŋe asiŋgatariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu, garai paŋguʋa yoʋutorwa bgenyu mucitya;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukamudana saBaba, iye anotonga munhu wose pasina rusaruro maererano nezviito zvake, ivai nokumuremekedza kukuru pakugara kwenyu panguva yenyu youtorwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana muchimuti Baba, iye anotonga achitarira zvakaitwa nomumwe asingatariri zvinoonekwa zvomunhu, garai panguva youtorwa hwenyu muchitya;
Shona 2009?
Zvino kana muchimuidza Baba, iye unotonga achitarira zvakaitwa nomumwe nomumwe asingatariri zvinovonekwa zvomunhu, garai panguva yovutorwa bwenyu muchitya;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana muchimuti Baba, iye anotonga achitarira zvakaitwa nomumwe asingatariri zvinoonekwa zvomunhu, garai panguva youtorwa hwenyu muchitya;