1 Peter 1:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye wamunoɗa, kunyaŋge musina‐kumuʋona; iye wamunotenda kwaari, kunyaŋge musiŋgamuʋoni ɀino, mucifara ɀikuru nomufaro usiŋgagoni kutaurwa, uzere nokubginya;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye wamunoda, kunyange musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya,
Shona 2009?
iye wamunoda, kunyange musina kumuvona iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuvoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya;
Shona SUB 2002 Bible
iye wamunoda, kunyangwe musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyangwe musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya,