1 Peter 2:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mufambire wenyu uʋe wakanaka pakati paʋahedeni; kuti paʋanokupomerai ʋaciti munoita ɀakaipa, ʋarumbidze Mŋari nezuʋa rokushanyira, kana ʋaciʋona maɓasa enyu akanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivai nomugariro wakanaka mukati mevechirudzi kuti kana vakakurevai savanhu vanoita zvakaipa vazoona mabasa enyu akanaka vagorumbidza Mwari paanokushanyirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira kana vachiona mabasa enyu akanaka.
Shona 2009?
mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyigwa, kana vachivona mabasa enyu akanaka.
Shona SUB 2002 Bible
mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira kana vachiona mabasa enyu akanaka.