1 Peter 2:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana mucitsuŋgirira matadza, mukarobga? Asi kana mukatsuŋgirira kana muciita ɀakanaka mukatambudzika, iɀoɀo inyasha kunaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchitsunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unowana mubayiro wei kana ukatirira iwe waroverwa kuita zvakaipa? Asi kana ukaita zvakanaka iwe ugotambudzika nokuda kwazvo iwe ukatirira zvako, chikomborero ichocho pana Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kune rumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarohwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kuna Mwari.
Shona 2009?
Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarobwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kunaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kune rumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarohwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kuna Mwari.