1 Peter 2:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti makaɗanirwa iɀoɀo, Kristu ɀaakakutambudzikirai ʋo, akakusiyirai mufananidzo, kuti muteʋere makwara ake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi ndizvoka zvamakadaidzirwa nokuti Kristu akakutambudzikiraiwo achikusiirai muenzaniso kuti mutevere makwara ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake;
Shona 2009?
Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraivo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake;