1 Peter 2:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye wakati acitukwa, haana‐kutuka ɀe; wakati acitambudzika, haana‐kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotoŋga ɀakarurama;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanyombwa haana kudzorera nokunyombawo. Paakarwadziwa haana kuti muchazviona asi akavimba naiye anotonga zvino ruenzaniso.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye akati achitukwa, haana kutukazve; akati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi akaisa mhaka yake kuna iye anotonga zvakarurama;
Shona 2009?
iye wakati achitukwa, haana kutukazve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotonga zvakarurama;
Shona SUB 2002 Bible
iye akati achitukwa, haana kutukazve; akati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi akaisa mhaka yake kuna iye anotonga zvakarurama;