1 Peter 2:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti muRugwaro ɀiri’mo, ɀinoti: Tarira, ndinoisa muZioni ibge rekona, rakasanaŋgurwa, rinokosha; Nounotenda kwaari haaŋganyadziswi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti muRugwaro zvinonzi: “Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni, ibwe rakasanangurwa, rinokosha, uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti zvakanyorwa muMagwaro Matsvene kuti: “Tarisai muone ndava kuisa dombo muZioni dombo rapakona rakanyatsosarudzwa uye rinokosha. Munhu anodavira maari haambonyadziswi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti, “Tarira, ndinoisa muZioni ibwe rekona, rakasanangurwa, rinokosha; Neanotenda kwaari haanganyadziswi.”
Shona 2009?
Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe Rekona, rakasanangurwa, Rinokosha; nounotenda kwaari haanganyadziswi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti, “Tarira, ndinoisa muZioni ibwe rekona, rakasanangurwa, rinokosha; Neanotenda kwaari haanganyadziswi.”