1 Peter 3:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti naKristu wakatambudzika ʋo kamŋe cete pamsoro peɀiʋi, iye wakarurama nokuɗa kwaʋasakarurama, kuti atiise kunaMŋari; wakaʋurawa hake panyama, asi wakararamiswa pamŋeya;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Kristu akafira zvitadzo chakamwe, munhu akarurama achifira vasina kururama kuti atiunze kuna Mwari. Mumuviri akauraiwa, mumweya akamutswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti naKristu akatambudzikawo kamwechete pamusoro pezvivi, iye akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; akaurawa hake panyama, asi akararamiswa mumweya;
Shona 2009?
Nokuti naKristu wakatambudzika vo kamwe chete pamusoro pezvivi, iye wakarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kunaMwari; wakavurawa hake panyama, asi wakararamiswa nomweya;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti naKristu akatambudzikawo kamwechete pamusoro pezvivi, iye akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; akaurayiwa hake panyama, asi akararamiswa mumweya;