1 Peter 3:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiwo mufananidzo worubapatidzo, runokuponesai ɀino, rusiŋgareʋi kubviswa kwetȿina yenyama, asi kutȿaka hana yakanaka kunaMŋari nokumuka kwaJesu Kristu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ruombeko rwakaita saizvozvo. Runokuponesai zvino, kwete nokubvisa tsvina pamuviri asi sechichemo kuna Mwari kuti hana icheneswe pamusana pokumuka kwaJesu Kristu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu;
Shona 2009?
Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwesvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kunaMwari nokumuka kwaJesu Kristu;
Shona SUB 2002 Bible
Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu;