1 Peter 3:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo imi ʋarume, garai naʋakadzi ʋenyu nokuziʋa, mucikudza mukadzi muciti ndiye mudziyo unesimba ɗuku kwamuri, ɀaʋari ʋadyi ʋenhaka dzenyasha dzoʋupenyu pamŋe cete nemi; kuti minyeŋgetero yenyu irege kudziʋiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndizvozvowo nemi varume, munofanira kugara navakadzi venyu nokunzwisisa muchivaremekedza savanhu vasina simba serenyu. Varemekedzei nokuti vachagamuchira pamwechete nemi chipo choupenyu kuti minamato yenyu irege kupingidzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwechete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.
Shona 2009?
Saizvozvo imwi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo unesimba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka yenyasha yovupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.
Shona SUB 2002 Bible
Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwechete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.