1 Peter 4:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo, Kristu ɀaakatambudzika panyama, nemi ʋo mushoŋge muraŋgariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega ɀiʋi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri make, torai pfungwa imwecheteyo sezvombo zvokurwisa nazvo nokuti munhu wose akarwadziwa mumuviri akatoregera zvokutadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo, Kristu zvaakatambudzika panyama, nemiwo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu akatambudzika panyama arega zvivi;
Shona 2009?
Naizvozvo, Kristu zvaakatamburira isu panyama, nemwi vo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega zvivi;
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo, Kristu zvaakatambudzika panyama, nemiwo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu akatambudzika panyama arega zvivi;