1 Peter 4:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu acitaura, ŋgaataure saaneŋge ari mashoko aMŋari; kana munhu acishumira, ŋgaɀiitwe senesimba raanopiwa naMŋari; kuti Mŋari akudzwe paɀose naJesu Kristu, iye unokubginya nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Wokuparidza ngaataure somunhu anotaura zvirevo zvaMwari. Anoitira vamwe mabasa ngaaite somunhu anopiwa simba naMwari kuitira kuti muna zvose Mwari arumbidzwe nokuna Jesu Kristu, muridzi wembiri nesimba narini narini Ameni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira, ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye ano kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
Shona 2009?
Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye unokubwinya nesimba nokusingaperi- peri. Ameni.
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira, ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye ano kubwinya nesimba nokusingaperi–peri. Ameni.